Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobudiswa muAfrica Nations Championship Cup


Chikwata chenhabvu che Zimbabwe Warriors chakabudiswa mumakwikwi emukombe weAfrica Nations Championship Cup neSvondo zvichitevera kuita mangange 0-0 kwachakaita neLibya mumutambo wakatambirwa muguta reAbidjan.

Ghana ne Democratic Republic of Congo ndidzo dzakakwanisa kubudirira kuenda kumasemi-finals emakwikwi aya. Chikwata che Zimbabwe chiri kutarisirwa kudzokera kuZimbabwe nemusi weChitatu.

Vamwe vatsigiri venhau vanoti vanofara nematambiro akaita chikwata chema Warriors.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 ataura nemumwe mutsigiri wema Warriors, VaTrust Pisai, kuti tinzwe maonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG