Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoshanyira Harare General Hospital


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende yavo itsva yakazvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nebazi rezvehutano, kuitira kuti zvipatara zvose zvehurumende zvive nemishonga pamwe nemishina inoshandiswa muzvipatara izvi.

VaTsvangirai vanoti maipiro akaita zvinhu pachipatara chepaHarare General Hospital anoratidza kuti hurumende yanga ichitonga haina kuita hany'a nehupenyu hwevanhu vanoda kuwanirwa mishonga munguva dzavanenge vachirwara.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pakushanya kwavaita neChishanu kuHarare Hospital. VaTsvangirai vaperekedzwa nemutevedzari wavo, Muzvare Thokozani Khupe, pamwe negurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekuona matambudziko akatarisana nechipatara ichi, VaTsvangirai vati vaudzwa kuti chipatara ichi chinoda mari iri pasi pemamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica kuitira kuti chishande nemazvo, iyo vati imari shomanani chaizvo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG