Accessibility links

Breaking News

Miss Zimbabwe USA 2008 Votsvagira Varwere veKorera Mari


Tsvarakadenga yakawana mukombe wa Miss 2008 Zimbabwe USA, Muzvare Charmane Zonde, vane hurongwa hwekubatsira vanhu vari kuvhiringwa nekorera muZimbabwe. Muzvare Zonde vanoti vari kuita mabiko ekutsvaga mari iyo ichashandiswa mukubatsira vanhu vari kubatwa nekorera.

Mabiko nemafaro aya achange achiitirwa mu Washington DC neChishanu manheru.

Muzvare Zonde vanoti vane tarisiro yekuti vanhu vakawanda vachauya kuzopa rutsigiro kuchirongwa ichi. Sangano reWorld Health Organization rinoti kubva pakatanga chirwere chekorera muna Nyamavhuvhu gore rapera, vanhu vanopfuura zviuru zvitatu nemazana masere ane makumi manomwe nevapfumbamwe, 3 879, vakafa nechirwere ichi, uye vanhu vanopfuura 83 631, vabatwa nechirwere chekorera kusvika pari zvino.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Zonde kuti tinzwe nezvehorongwa hwavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG