Accessibility links

Breaking News

Hurumende Itsva Yopemha Mari Inoita US$2 Billion


Makurukota ezvemari muSADC ari kuenderera mberi nekuita musangano muCape Town kuSouth Africa wekuti vaone nzira dzekuyedza kubatsira Zimbabwe nemari iri kudiwa nechimbi chimbi.

Gurukota rezvemari muSouth Africa, VaTrevor Manuel, vanoti Zimbabwe iri kuda mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica mukati memwedzi gumi inotevera, kuitira kuti mari iyi ishandiswe mukugadzirisa hupfumi pamwe nezvimwe zviri kunetsa munyika munyaya dzemari.

VaManuel vatiwo South Africa ichaedza pachayo, kubatsirawo Zimbabwe nemari yekuti igadzirise homwe dzayo dzabooka.

Mutungamiri weAfrican Development Bank, VaDonald Kaberuka, vanotiwo vakafadzwa negwara rehupfumi rakaturwa negurukota rezvehupfumi idzva, VaTendai Biti, asi vakati Zimbabwe inofanira kudzosera zvikwereti zvayo uye kuvandudza mashandiro ayo munyaya dzehupfumi.

Zimbabwe ine zvikwereti zvine mari inosvika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica. Zimbabwe iri kutadza kuwana rubatsiro kubva kumasangano anokweretesa sezvo iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Masangano akaita seWorld Bank neInternational Monetary Fund akatomisa kukweretesa Zimbabwe mari achiti Zimbabwe haichavimbisika munyaya dzemari.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mutungamiri weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Doctor Kanyenze vaita hurukuro naBlessing Zulu weStudio7 kuti tinzwe pfungwa dzavo pakupemha mari kuri kuitwa neZimbabwe.

Ukuwo vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurumende itsva ichanetseka kuwana rubatsiro rwemari rwairi kutsvaga, sezvo VaMugabe vasiri kuratidza kuti vakazvipira kushanda muhurumende yemubatanidzwa naVaTsvangirai.

Mukuzeya zvine hudzamu nyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoshanda nesangano reCentre for Research and Development, pamwe naVaPhilip Pasirayi, avo vanoshanda nesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG