Accessibility links

Breaking News

Mavhocha Ari Kupihwa Vashandi Onetsa Kuchinja


Vamwe vashandi vehurumende vanoti vari kusangana nedambudziko rekutadza kuchinja mavhocha avari kupiwa nehurumende kuti vabatsirikane. Vashandi vazhinji vanonzi vari kusarudza kuchinja mavhocha aya, ayo ane huremu hwemadhora zana emari yekuAmerica, kuti vawane mari yekunze.

Mavhocha aya ari kupihwa vashandi vehurumende zvichitevera mashoko akataurwa negurukota idzva rezvemari, VaTendai Biti, avo vakati vashandi vose vachange vopihwa mari dzekubatsirikana.

Mamwe mabhanga akaita seCABS anonzi ari kutokurudzira vanhu kuti vavhure maForeign Currency Account, FCA, nemamwe mabhanga sezvo ivo vasiri kukwanisa kuvabatsira.

Rimwe dambudziko riri kusanganikwa naro nevashandi vehurumende ndere kupererwa nemari yekunze mumabhanga avo, uye kurambwa kwemavhocha aya nevezvitoro.

Mumwe mushandi wehurumende akasangana nedambudziko iri, VaValentine Moyo, avo vanodzidzisa kuMasvingo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vamwe vezvitoro nevanochinja mari vari kuchaja kuchinja mavhocha aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG