Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoita Mangange 2-2 neGhana kuIvoary Coast


Zimbabwe Warriors yaita mangange 2-2 nechikwata cheGhana pamutambo wekutanga we African Nations Championships Cup, uyo watambirwa muIvory Coast manheru eMuvhuro.

Zvibodzwa zvemaWarriors zvabva kuna Ovidy Karuru na Philip Marufu muchikamu chekutanga chemutambo uyu. Chibodzwa chekutanga cheZimbabwe chabva kuna Karuru uyo akawana mambure mukati memaminetsi mana mutambo watanga muBouake.

Zvibodzwa zveGhana zvabva zvose kuna Rahim Ayew, mwana wemutambi wenhabu akaita mukurumbira, Abedi Aye "Pele"

Chikwata chemaWarriors chiri kutarisirwa kutamba nechikwata chekuDRC nemusi weChina mumutambo weChipiri mumakwikwi aya. Zimbabwe iri muGroup B umo iri kutarisira kutamba zvakare neLibya.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo wenhabvu, Bekinkosi Nyoni, kuti tinzwe maonero ake pamutambo uyu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG