Accessibility links

Breaking News

MDC Inocherechedza Makore Gumi Yaumbwa


Bato reMDC riri kupemberera kusvitsa kwaro makore gumi kubva parakaumbwa, uye kucherechedzawo matambudziko nemakata arakafamba kusvika pari nhasi.

Bato iri rinoti harisi kufara pakucherechedza zuva iri sezvo riine dzimwe nhengo dzaro dzakaita semubati wehomwe, VaRoy Bennett, nevamwe vari muhusungwa, avo vanosanganisirawo mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko.

Mutauriri weMDC uye vari gurukota rezve kusimudzirwa kwemashandisirwo emashoko, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kupinda kwavakaita muhurumende yemubatanidzwa, chiratidzo chekuti baro iri richiri murwendo rwekuda kuzadzisa zvido zvevana veZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG