Accessibility links

Breaking News

Gurukota reDzidzo VaColtart Vanosangana naVaTsvangirai


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana negurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, kuti vazeye zvakabuda neMuvhuro mumusangano wavakaita nemasangano anomirira varairidzi anoti rePTUZ nereZimbabwe Teachers Association.

VaTsvangirai pamwe nevatevedzeri vavo vaviri vanoti Muzvare Thokozani Khupe naVaArthur Mutambara, uye gurukota rezvevashandi, Muzvare Paurina Mpariwa, vakasangana nemasangano evarairidzi vakaudzwa nezvematambudziko akatarisana nebazi rezvedzidzo, kusanganisirawo nyaya dzemihoro yevarairidzi.

Musangano wakaitwa uyu wakasunga kuti paumbwe komiti ichaongorora zvichemo zvevarairidzi pamwe nematambudziko ari mubazi redzidzo.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti masangano evarairidzi aya akawirirana kuti varairidzi vacharamba vasingaendi kumabasa kusvika komiti iyi yapedza ongororo yayo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG