Accessibility links

Breaking News

Mutambo weZimbabwe Cricket neBlack Caps yekuNew Zealand Wonetsa


Mutungamiri wehurumende yeNew Zealand, VaJohn Key, vanoti vangangomisa chikwata chavo che cricket che Black Caps kuenda kunotamba neZimbabwe mumitambo iyemuna Chikunguru, sezvo vasiri kufadzwa nemamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino.

Chikwata chemaBlack Caps chiri kutarisirwa kutamba mitambo mitatu yema one day internationals. Sangano reNew Zealand Cricket rinoti rakamirira kuudzwa nemutungamiri wenyika kuti vofambisa seyi nyaya iyi.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo wecricket, VaBrian Goredema, kuti tinzwe maonero avo.

Mune imwe nyaya yemitambo, mushure mekukunda chikwata che Victors FC cheku Uganda 2-0 mumakwikwi eCAF Confederations Cup kunhandare yeRufaro neSvondo, Caps United yava kutarisirwa kutamba nechikwata che Engineering For The Petroleum & Process Industries chekuEgypt mwedzi unouya.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau dzemitambo, George Mupfuti, pamusoro pemutambo weCaps United nemimwe mitambo yezvikwata zvemunyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG