Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inosunga VaRoy Bennett


Mapurisa anonzi apomera mhosva mubati wehomwe muMDC, uye vari kutarisirwa kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima VaRoy Bennett.

VaBennett vasungirwa kunhandare diki yendege, yePrince Charles muHarare, vakabva vaendwa navo kwaMutare uko vasvikoudzwa mhosva yavari kupomerwa.

Vagari vekwaMutare vanonzi vamboratidzira vari pakamba yemapurisa yepaMutare Police Central, vachiti VaBennett vabviswe muhusungwa. Zvinonzi vanhu ava varidzirwa pfuti kuti vasaenderera mberi nekuratidzira uku.

Vane ruzivo vanoti hurumende iri kupomera VaBennett mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe vasati vapotera kuSouth Africa muna 2006. VaBennett vakabuda munyika gore iri vachityira hupenyu hwavo, vakanopotera kuSouth Africa, uko vakapihwa hupoteri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti VaBennett vachamiswa riini pamberi pedare redzimhosva. Vakawanikwa nedare redzimhosva vaine mhosva yavari kupomerwa, VaBennett vanotongerwa rufu

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG