Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Muzvare Mukoko Vagare Muchipatara cheAvenues Clinic


Dare redzimhosva rapa mutongo wekuti mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe neimwe nhengo yeMDC, VaFidelis Chiramba, vaendeswe kuchipatara cheAvenues Clinic kuti vanorapwa kwesvondo imwe chete, dare rozoona kana zvichikodzera kuti varambe variko kana kuti vodzoserwa kuChikurubi. Nyaya iyi yanzwikirwa kuAvenues Clinic.

Izvi zvinotevera kuonekwa kwaMuzvare Mukoko navana chiremba vavo pamwe nevehurumende neChina, avo vakakomekedza kuti Muzvare Mukoko vanofanirwa kurapwa vari muchipatara.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakashanyirawo vasungwa vari kuChikurubi, avo vanosanganisirawo Muzvare Mukoko naVaChiramba.

Gweta riri kumirira vaviri ava, VaHarrison Nkomo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vaviri ava vari kurwara zvakaipisisa izvo zvaita kuti dare redzimhosva ripe mutongo waro uyu riri kuchipatara cheAvenues Clinic.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG