Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rotarisirwa Kugadzwa neChishanu


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakasangana nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai nemutevedzeri wavo VaArthur Mutambara, kuti vapedzise basa rekudoma dare remakurukota.

Makurukota ehurumende ari kutarisirwa kugadzwa kuState House neChishanu.

Nechina VaMugabe vakadoma makurukota avo nevatevedzerivanosvika makumi maviri nemumwe asi vasingataure mapazi avanenge vakamirira.

Vakadonwa vanosanganisira zvidziva zvepo muZanu PF vakaita saVaDidymus Mutasa, VaSydney Sekeremayi, VaEmmerson Mnangagwa, VaIgnatius Chombo, VaJohn Nkomo, VaKembo Mohadi, VaHerbert Murerwa, VaSimbarashe Mumbengegwi nevamwe vagara varipo kare. Pavanhu vadoma neZanu PF, pane vanhukadzi vaviri Amai Sithembiso Nyoni na Amai Flora Bhuka.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakabvisa VaAbednico Bhebhe segurukota mushure mekunge paita makakatanwa pakati paVaTsvangirai naVaMutambara avo vakaudza VaMugabe naVaTsvangirai kuti kuita izvi kutyora chibvumirano chavakaita semapato uye zvinoratidza kushaya rukudzo.

VaTsvangirai vakabvisawo VaEddie Cross segurukota vachivatsiva naVaJoel Geubuza mushure mekunge vamwe vekuMatabeleland vati havana kufara nemairiro edare reparamende.

Chikwata chaVaMutambara change chichitarisirwa kudoma VaDavid Coltart segurukota redzidzo, VaWelshman Ncube, gurukota rezvekutengeserana, uye VaMoses Mzila Ndlovu gurukota rezvekubatana kwematunhu.

VaJospeh Mungwari ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMungwari vaita hurukuro Blessing Zulu weStudio 7 kuti tinzwe zvatora nzvimbo muHarare


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG