Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kuunza Shanduko Munyika


Vanhu vakawanda muZimbabwe vari kutarisira kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemakurukota avo avakadoma, vachasimudza nyika kubva mumatope mairi.

Asi mibvunzo mikuru iri pamiromo yevanhu ndeyekuti vanozviita sei, pachitariswa kusakara kwaita nyika, uye nyaya yekuti vanonzi ndivo vakaparadza nyika, veZanu PF, vachiri muhurumende itsva iyi.

VaTsvangirai vakatangawo nekuvimbisa vashandi vehurumende mihoro yavo nemari yekunze, unove mutoro uri kuchemwa nevazhinji vachiti VaTsvangirai vanougona herekuutakura sezvo VaMugabe vari ivo mapata zvose.

Mukuzeya nyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, pamwe naVaLuxon Zembe, vanowe nyanzvi munyaya dzezveupfumi.

Vaviri ava vawirirana kuti VaTsvangirai vanoda kupiwa nguva yekuita basa ravo, asi vachema chemawo nevimbiso yavakapa kuvashandi vehurumende yekuti vachatambiriswa nemari yekunze, vakati vanenge vakasika kuombera mhondoro nemapwapwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG