Accessibility links

Breaking News

VaMadzorera Vovimbisa Kushanda Zvakasimba Munyaya dzeHutano


Sanganano re World Health Organisation rinoti chirwre chekorera chauraya vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana mana ane makumi matanhatu nevanomwe, 3 467, uye vanhu vakabatatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu vasvika pazviuru makumi manomwe nemazana matanhatu ane makumi mana nevatatu, 70 643.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vari kufa pamwe nekubatwa nekorera vanodarika huwandu huri kutaurwa neWHO sezvo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba dzavo vanosina kusvika nekuzvipatara.

VaHenry Madzorera ndivo vakamirira kugadzwa segurukota rezvehutano muhurumende itsva.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorera kuti tinzwe zvizere hurongwa hwavo pavanotanga basa segurukota rezvehutano muhurumende itsva.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG