Matare ose eparamende anoti repasi reHouse of Assembly nerepamusoro reSenate, atambira bhiri remutemo weZimbabwe National Security Council Bill, kuti uve mutemo.
Kutambirwa kwaitwa bhiri iri zvava kureva kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kuisa runyoro rwavo kuitira kuti bhiri iri richive mutemo unoshandiswa munyika.
Mutemo uyu unobvumidza kuumbwa kwekomiti ichange ichisanganisira mapurisa, mauto, vesangano revasori pamwe nevemajeri, iyo inenge ichizoona nezvekugadzikana pamwe nekuchengetedzwa kwemukati menyika.
Svondo rapera MDC neZanu PF dzakatambirawo Constitutional Amendment Bill Number 19 kuti uve mutemo. Izvi zvinoratidza kuti mapato aya ari kushandira pamwe chete kuti muchato wawo ubudirire.
Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau, Irwin Chifera, kuti tinzwe zvaitika kumatare eparamende neChipiri.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...