Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inorasa Nyaya Yanga Ichipomerwa VaBiti


Hurumende yarasa nyaya yanga ichipomerwa munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, avo vanga vachipomerwa nyaya yekuda kubvisa hurumende nechisimba, uye kuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaBiti vakasungwa gore rapera mushure mekunge vaburitsa zvakabuda musarudzo gore rapera, sangano re Zimbabwe Electoral Commission risati raburitsa zvakabuda musarudzo iyi.

Asi hurumende yanga ichinonoka kupeta kuferefeta kwayo nyaya iyi, izvo zvakapa kuti magweta aVaBiti, ature mudare nyaya yekuti VaBiti vabviswe muhusungwa. Nyaya yaVaBiti yakapinda mudare neChitatu, vachuchisi vehurumende vachiti vapeta kuferefeta nyaya iri kupomerwa VaBiti, uye kutongwa kwayo, kuchatanga muna Chivabvu. Magweta aVaBiti akakumbira dare kuti rirase nyaya iri kupomerwa VaBiti sezvo vachuchisi vehurumende vakabuda pachena kuti vaida kupfidzisa VaBiti nepamusana pekuti vaivhiringidza hurongwa hwekuvakwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Magweta aya akatiwo ane humbowo sezvo akatapa mazwi evachuchisi ava apo vaitaura.

Nyaya iyi yapinda zvakare mudare neChishanu, hurumende ikati yava kurasa nyaya iri kupomerwa VaBiti sezvo pasina humbowo hwakati tsvikiti.

Gweta riri kumirira VaBiti, Va Lewis Uriri, vanoti vafadzwa nemutongo wapihwa nedare redzimhosva.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaUriri kuti vatsanangure zvaitika mudare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG