Accessibility links

Breaking News

Paramende Inotambira Constitutional Amendment Bill Number 19 Kuve Mutemo


Matare eparamende eHouse of Assembly, pamwe nedare reparamende repamusoro re Senate, atambira bhiri remutemo weConstitutional Amendement Bill Number 19, kuti uve mutemo, kuitira kuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa. Nhengo dzose dzanga dziri mudare repasi dzinosvika zana nemakumi masere neina, dzinonzi dzawirirana kutambira bhiri iri senzira yekuremekedza chibvumirano cheMDC neZanu PF icho chakanyoreranwa pasi musi wa15 Gunyana gore rapera.

Mushure mekutambirwa kwebhiri iri nedare reparamende repasi, dare reseneti ragarawo rikazeya mutemo uyu, ndokubva nhengo dzedare iri dzanga dzirimo dzinosvika makumi manomwe nevaviri, dzatsigirawo zvaitwa nedare repasi.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera ari muHarare, vamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe, vaendawo kudare reparamende kunozvionera mapato maviri eMDC neZanu PF achitambira bhiri iri pasina kana kupokana.

Kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kunopa masimba ekuti munyika muve nemutungamiri wehurumende ane masimba, uye vatevedzeri vake vaviri. Mutemo uyu wakaunzwa mudare zvichitevera makakatanwa pakati pemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

Vaviri ava vanga vachinetsana panyaya yekugovanwa kwemagavhuna, uye vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika. Mushure mekupindira kwakaita nyika dzemu SADC pagakava iri, VaMugabe vakazobvuma kuti vachagovana nemazvo zvose zviri kutaurwa neMDC, izvo zvazopa kuti MDC itsigire mutemo kuvandudzwa kwemutemo uyu.

Sezvo mutemo uyu watambirwa neparamende, wamirira VaMugabe kuisa ruoko rwavo kuitira kuti uchiva mutemo. Izvi zvava kureva kuti hurumende yemubatanidzwa yava kuumbwa svondo rinouya, semarongerwo azvanga zvakaitwa neSADC. Pasi pemutemo mutsva uyu, VaTsvangirai vachatora mhiko semutungamiri wehurumende. Vatevedzeri vaVaTsvangirai vaviri, mumwe anobva kuchikwata chinotungamirwa naVaArthur Mutambara, pamwe nemumwe anobva kuMDC yavo, vachatorawo mhiko sevatevedzeri vemutungamiri wehurumende.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoti kubudirira kwaita Constitutional Amendment (Number 19) Bill chiratidzo chekuti muZimbabwe hamuchina mapato anopikisana, sezvo zvose zvichakurukurwa muparamende zvichangobvumiranwa.

Professor John Makumbe vanodzidzisa zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe. Professor Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti paramende yadzokera payakanga iri nyika ichawana kuzvitonga, pekushaya anopikisa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG