Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinoramba Kunzwa Chikumbiro chaMuzvare Mukoko


Dare redzimhosva repamusoro reHigh Court, raramba kunzwa chikumbiro chemutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, chekuti vapiwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa itongwe vachibva kumba kwavo.

Vachipa mutongo wavo, Justice Alfias Chitakunye vati chikumbiro chaMuzvare Mukoko hachina kuitwa nenzira inodiwa nemutemo, nokudaro havakwanisi kunzwa chikumbiro chinoitwa nenzira isingatevedzi mafambisirwo enyaya dzinenge dziri mumatare.

VaChitakunye vatiwo Muzvare Mukoko havasati vamira pamberi pedare vachipomerwa mhosva yavnonzi vakapara, chinove chikonzero chaita kuti vasanzwe chikumbiro ichi.

Asi magweta aMuzvare Mukoko anoti ava kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro re Supreme Court.

Muzvare Mukoko vakambomira pamberi pedare repasi vachida kuti vapihwe mvumo yekunorapwa navana chiremba vavanoda. Magweta avo akatiwo Muzvare Mukoko havaifanirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva vachipomerwa mhosva yavari kunzi vakapara sezvo kusungwa kwavo kwakaitwa nenzira iri kunze kwemutemo.

Asi VaChitakunye vafananidza kupinda mudare uku sekungopfuurawo namo. Muzvare Mukoko vakapambwa nehurumende musi wa3 Zvita vakachengetedzwa kunzvimbo isingazivikanwi kwemasvondo anosvika matatu hurumende ichiramba kuti yakanga isingazive kwavari.

Muzvare Mukoko vakazobuda vava mumaoko emapurisa musi wa22 Zvita vachinzi vakasungirwa mhosva yekudzidzisa vanhu kuita zvehugandanga vaine chinangwa chekubvisa hurumende yaVaMugabe nechisimba.

Gweta riri kumirira Muzvare Mukoko, VaHarrison Nkomo, vaudza Jonga Kandemiiri westudio7 kuti kana munhu ambopinda mudare repasi, havaone chinotadzisa kuti azokumbira mvumo yekubvisa mari yechibatiso kudare repamusoro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG