Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC Dzotadza Kuwirirana Zvakare


Paita mutauro pakati peMDC neZanu-PF zvichitevera kusawirirana panyaya yekugadzirisa zvimwe zvinhu zvinodiwa kugadziriswa hurumende yemubatanidzwa isati yaumbwa.

MDC inoti Zanu-PF haisi kuzadzisa zvisungo zveSADC, iyo yakati zvinetswa zvose zvigadziriswe nechimbichimbi, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa inge yaumbwa musi wa13 Kukadzi.

Bato iri rinoti Zanu-PF haisi kuda kugadzirisa nyaya yekugovanwa kwemagavhuna nezvimwe. Zvinonzi Zanu-PF iri kuti haina kupihwa masimba ekuzeya nyaya iyi nemutungamiri wayo, VaRobert Mugabe, avo vari kumusangano weAfrican Union kuEthiopia.

Zvichitevera makakatanwa aya, hurumende inoti nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kana kuti Constitutional Ammendment Number 19, iyo yanga ichifanirwa kupinda mudare reparamende repasi neChitatu, ichazokurukurwa nezvayo svondo rinouya.

Muzvisungo zvayo, SADC yakati nyaya yeNational Security Council neyemagavhuna yaifanira kutaurwa nezvayo nekukasika. Asi musangano wange uchifanira kuitwa neChipirii kuPretoria, watadza kubudirira sezvo Zanu-PF yakundikana kuenda ichiti yainge yasumwa neMuvhuro pakati pehusiku nezvemusangano uyu.

Musangano uyu wave kutarisirwa kutanga neChitatu. Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vaudza Studio7 kuti nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo ichazozeyiwa nedare reparamende repasi svondo rinouya.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti mashoko aVaChinamasa ekuti havana kusumwa nezvemusangano wekuPretoria ndeemugotsi matsuro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG