Accessibility links

Breaking News

Mari Itsva Yononoka Kuiswa muMabhanga


Mari itsva yakaziviswa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kuti yaizotanga kushanda kubva neMuvhuro, yanga isati yasvika mumabhanga akawanda, kuburikidza nematambudziko akasiyana-siyana.

Mumwe mushandi wekune rimwe bhanga asina kuda kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, anoti mabhanga ose munyika atumira vashandi vavo kuRBZ kuti vanotora mari idzi, asi vazhinji havana kukwanisa kudzitora nguva iripo kuti vazonopa vanhu.

RBZ yakazivisawo kuti yabvisa mazero gumi nemaviri pamari yenyika, uye kuparurawo mari itsva dzinotangira pa$1, $5, $10, $20, $50, $100 ne$500.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, VaLuxon Zembe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti dambudziko riri pakuti RBZ inotanga yazivisa kuti yatora matanho akati, iyo isati yagadzirisa zvinhu.

Zvichakadaro, bhanga guru renyika rakazivisawo kuti makambani ane marezinesi ekutengesa zvinhu zvawo nemari yekunze, ava kubvumidzwa kutambirisa vashandi vavo mihoro nemari yekunze, vasingamiriri mvumo kubva kuRBZ.

Vachiparura hurongwa hwemashandisirwo emari neMuvhuro, gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vakati chinongosungirwa makambani kuita, kuzivisa chete boka rinoona nezvekuchinjwa kwemari kuti vava kutambirisa vashandi vavo nemari yekunze.

Muteedzeri wemunyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvaitwa neRBZ ndizvo zvavagara vachirwira kuti zviitwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG