Accessibility links

Breaking News

RBZ Inobvisa Mazero Gumi neMaviri paMari yeNyika


Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, raparura hurongwa hwaro hwemashandisiro emari neMuvhuro. Hurongwa uhu hunosanganisira kubviswa kwemazero gumi nemaviri, uye mari itsva dzichange dzichishandiswa munyika kutanga neMuvhuro.

Mari itsva idzi dzichange dzichitangira paZ$1, Z$5, Z$10, Z$20, Z$50, Z$100 neZ$500. Svondo rapera, vakafanobata chigaro chegurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamsa, vakaparurawo hurongwa hwemashandisirwo emari yenyika, uye vakabvumidzawo kushandiswa kwemari yekunze pamwe chete neyemunyika.

Ukuwo sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, raikurudzirawo zvikuru kuti RBZ irase mazero gumi nemaviri, uye kumiswa kwekudhindwa kwemari kuitira kuti mari yemunyika iwane huremu.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaJohn Mufukare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni kubviswa kwemazero gumi nemaviri, pamwe nekuiswa kwemari tsva kwaitwa nagavhuna weRBZ, VaGideon Gono, kuchisimudza upfumi hwenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG