Accessibility links

Breaking News

SADC Yoronga Musangano weChimbichimbi Pakati paVaMugabe naVaTsvangirai


Sangano reSADC rinoti rasvika padanho repamusoro pakuyedza kuronga musangano wekuti uitwe pakati pemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, kuitira kuti vaedze kumutsiridza nyaya yekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa iyo yotandadza pari zvino.

Vakuru veSADC vanoti vari kuda kuti VaTsvangirai vadzokere kumusha sezvo musangano uyu uri kuda kuitirwa muHarare. Vakuru veSADC vanotiwo vakamisa VaMugabe kuumba hurumende itsva mwedzi uno.

VaTsvangirai vakakumbira musangano naVaMugabe unenge uchisanganisirawo sachigaro veSADC uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe.

VaTsvangirai vari muSouth Africa pari zvino, umo vari kuita musangano weStanding Committee yebato ravo. Zvinonzi veMDC vari kuda kuedza kuona kuti vofambira mberi sei nenyaya yekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvisungo zvabuda neMDC neChipiri kuSouth Africa.

VaCharles Mangongera vanoongora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti zviri kuitwa neSADC ndizvo chaizvo zvingabatsira pagakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG