Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotocha Mwana Ane Makore Maviri


Mapurisa edivi rematikitivha, achitungamirirwa naSuperintendent Crispen Makedenge, anonzi akarwadzisa pamwe nekutocha mwana ane makore maviri uyo akapambwa kuBanket pamwe chete nevabereki vake muna Gumiguru.

Vanhu ava vakapambwa vachipomerwa mhosva yekudzidzisa vanhu zvehugandanga. VaMakedenge vanonzi vairwadzisa mwana uyu senzira yekuti amai vake, Violet Mupfuranhehwe, avo vanova mudzimai waVaCollen Mutemagawo, vabvume mhosva yavari kupomerwa. Mapurisa anonzi airwadzisa mwana uyu, amai vake vakatarisa.

Mwana uyu ari kugara naamai vake kujeri revanhukadzi rekuChikurubi, uye amai vacho vari kutarisirwa kudzoka kudare neMuvhuro svondo rinouya.

Mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vari kutarisirwa kumira zvakare mudare neChishanu, zvichitevera chikumbiro chakaturwa mudare redzimhosva nemagweta avo. Muzvare Mukoko vari muhusungwa umo vari kupomerwa mhosva ine chekuita nekuda kubvisa hurumende yaVaMugabe pachigaro. Muzvare Mukoko nevamwe vavo vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa. Vasungwa ava vakawanikwa vaine mhosva, vanotongerwa rufu.

Muzvare Mukoko vakapambwa musi wa3 Zvita kumba kwavo kuNorton, vakatochwa vari muhunhapwa uhu. Dare redzimhosva rakapa mutongo wekuti Muzvare Mukoko, pamwe nedzimwe nhengo dzeMDC dzinodarika makumi matatu, vaende kunorapwa kuAvenues Clinic. Asi mapurisa anonzi ari kuzvidza mutongo wedare iri.

Rimwe remagweta ari kumirira Muzvare Mukoko nevamwe vavo, VaAndrew Makoni, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vavari kumirira ava havasati varapwa kunyange zvazvo paine mutongo wekuti varapwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG