Accessibility links

Breaking News

Nyika Yobatsirwa neMvura Yakachena


Kambani yeProctor and Gamble, ichishanda nesangano rePopulation Services International, ichapa vanhu mvura yakachena pasina muripo, kuitira kuti vanhu vasabatwe nechirwere che cholera.

Masangano aya anoti achapa mvura yakachena inosvika marita mamiriyoni gumi, kana kuti 10 million litres.

Mvura iyi inonzi ichapihwa vanhu veku Mudzi neku Beitbridge, uye vachaishandisa kwemwedzi mina inotevera.

Sangano re UNICEF rinotiwo vanhu vafa ne cholera vanodarika chiuru nemazana maviri, kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vabatwa nechirwere ichi vava kudarika zviuru makumi maviri nezvina.

Mumiriri weUNICEF muZimbabwe, VaRoeland Monash, vanoti chirwere checholera chanetsa, uye dambudziko rechirwere ichi richaramba riripo kwenguva yakareba.

VaMonash vanoti hurongwa hwavo huri kuvhiringwawo nekuparara kwaia zvinhu munyaya dzehupfumi muZimbabwe.

VaMonach vanoti munyika mava nemakamba makumi mana anorapirwa vanhu, uye kamba imwe chete inofanirwa kunge iine vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe, kuitira kuti basa rifambe zvakanaka.

Vati pari zvino pakamba imwe chete pari kuwanikwa paine vana mukoti vana kana vashanu chete. Vatiwo marara ave nenguva yakareba asina kuraswa munzvimbo kwadzo, izvo zviri kupa kuti vana vadiki vavhringwe nechirwere ichii.

VaMonach vatiwo sangano ravo riri kuedza neparinogona napo kubatsira Zimbabwe, asi zvinhu hazvisi kuratidzika zvakanaka.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo pamusoro perubatsiro rwemvura yakachena.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...



XS
SM
MD
LG