Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Inokwira Zvisina Mukare Akamboona


Mitengo yezvinhu inonzi iri kuramba ichikwira kubva pakaparurwa mari itsva ye$1 billion, $5 billion ne$10 billion neChishanu chapfuura. Chimwe chiri kunetsa inyaya yemari inobvumidzwa munhu kutora pamwedzi, inowe $10 billion, iyo iri kunzi haina chaichatengawo.

Rofu rechingwa ranzi ranga richitengeswa nemari inoita $2,5 billion. Zvimwe zvitoro zvisina kupiwa mvumo yekutengesa zvinhu nemari yekunze, zvinonziwo zvava kungotorawo mukana wekuoma kwezvinhu kutengesa zvinhu nemari yekunze.

Vemichovha vanonzi vanga vachidaidzira $2 billion kubva muguta kuenda kumusha unogara veruzhinji weHighfield. Vemabhazi ekumaruwa vanzi vari kubhadharisawo nemari yekunze, izvo zvanzi zvichatadzisa vanga vakaronga kunodyira kisimusi kumaruwa kwavo.

Dhora rekuAmerica ranga richitengeswa nemari iri pakati pe$9 billion ne $11 billion pamukoto, kotiwo vanoita zvekuchinja mari nema RTGs vanzi vanga vachiita $500 trillion padhora rimwe chete rekuAmerica. Rand rekuSouth Africa ranga richitengwa ne$1,5 billion, kotiwo Pula rekuBotswana richiita $2 billion.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kugara kuJohannesburg, South Africa, VaMakomborero Chikwezeze, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kutobatsira nekutumira chikafu nemari kumusha, asi vane dambudziko sezvo vavanotumira navo vachivachaja mari iri pamusoro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG