Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, Anoshaya muAmerica


Gamba guru munyaya dzekutora nhau munyika, Carole Gombakomba, akashaya neChina muchipatara cheHoly Cross mu Silver Spring muMaryland.

Carole akashaya mushure mekurwara nechirwere chegomarara kwenguva yakareba. Chirwere chegomarara ichi chakabatwa navana chiremba muna 2002. Carole akatanga kushandira Studio7 semutori wenhau muna Kurume 2003, mushure mekunge ashanda kwenguva yakareba kuZimbabwe Broadcasting Corporation, kana kuti ZBC.

Achiri ku ZBC, Carole aizivikanwa zvikuru nechirongwa chenhau chainzi Newsbeat, icho aiburitsa nemumwe mutori wenhau aishandira ZBC, Peter Banga. Carole akasiya ZBC muna 2001 akamboenda kunogara kuCanada kwemwedzi yakati wandei, asati atanga kushandira Studio7.

Vanoziva Carole vanomurangarira zvikuru nenhau dzaaiburitsa paStudio7, zvikuru nyaya dzine chekuita nekodzero dzevanhu, nyaya dzehutano, uye dzezve matongerwo enyika.

Dr Frenk Guni inyanzi munyaya dzehutano. Dr Guni vanoti Zimbabwe yatorerwa gamba guru munyaya dzekutorwa kwenhau. Vatiwo Carole munhu ayiita basa rake nemazvo, uye achiziva zvaayiita, pasina tsvete.

Carole anga ava nemakore makumi mana, uye asiya mwana musikana, Nakiso, uyo ane makore gumi nematatu ekuberekwa.

Studio7 inoti yarasikirwa nemutori wenhau ayiita basa rake asingatyi, uye zvisina tsvete mukati. Kushaya kwaCarole kwaradza vanhu vakawanda, avo vanosanganisrawo vatori venhau vaaishanda navo, apmwe nevamwe vapararira pasi rose zvichitevera kumbunyikidzwa kwevatori venhau muZimbabwe.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaCarole huchaziviswa munguva pfupi iri kutevera, asi pari zvino vanhu vakaungana kumba kwake ku Silver Spring mu Maryland.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemukoma waCarole, Amai Nellie Kaiyo, kuti tinzwe zvizhinji.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG