Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vachapinda muHurumende yeMubatanidzwa  Kana VaMugabe Vave Muchokwadi


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzobvuma kumanikidzwa kuumba hurumende yemubatanidzwa, kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiramba vakatsika madziro panyaya yekugovana masimba zvakafanira nebato ravo.

VaTsvangirai vanotiwo pari zvino vari kumhanyamhanya mhanya vachipemha rubatsiro rwekubatsira nyika iyo yakatarisana nenguva yakaoma zvisina mukare akamboona.

Vaimbova munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, vanoti zvinhu zvikasagadziriswa nechimbichimbi, Zimbabwe inogona kupedzisira yasvika pane zviri kuitika kuSomalia.

MDC iri kutarisirwa mukupera kwesvondo rino kuzeya nyaya yekuvandudza bumbiro remitemo kana kuti Constitutional Amendment Bill Number 19, iyo inopa gwara rekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti hazvirevi kuti vakabatana maoko neZANU-PF nhamo dzose dzenyika dzinobva dzapera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG