Accessibility links

Breaking News

Magweta eMDC Oronga Kusungisa VaMohadi


Magweta ari kumirira nhengo dzeM-D-C idzo dzakapambwa kuBanket nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori, anoti ave kusungisa gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, zvichitevera kuzvidza dare repamusoro reHigh Court kwavakaita.

Rimwe remagweta aya, VaAlec Muchadehama, vanoti vari mubishi rekunyora gwaro kudare reHigh Court, vachikurudzira dare iri kuti ripe mutongo wekuti mapurisa asunge VaMohadi, mukuru wemapurisa Commissioner-General Augustine Chihuri, Chief Supt Chrispen Makedenge, naSeargent Muuya, sezvo vakazvidza dare repamusoro apo vakatadza kutevedzera zvakatarwa nedare iri zvekuti vabvise muhusungwa nhengo dzeMDC idzo dzainge dziri mumaoko emapurisa.

Dare rainge ratongawo kuti kana mapurisa aine humbowo hwekuti vanhu ava vane mhosva dzavakapara, aifanirwa kuvamisa pamberi pedare, asi izvi hazvina kuitika. Dare rakanga ratiwo magweta abvumirwe kuona vasungwa ava, asi vanhu ava havasati vaonekwa nemagweta avo, kanawo nehama dzavo.

Nhengo dze MDC gumi nenhatu dzakapambwa zvechisimba kuMashonaland West kutanga kwemwedzi uno munguva dzehusiku mukati memazuva mana, nevanhu vasingazivikanwi kuti ndivanani. Asi nhengo idzi dzinonzi dziri kupomerwa mhosva yekudzidzisa vechidiki kuda kupidigura hurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vari sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato reMDC rinofanirwa kuita ruzha rwenhengo dzaro dzakatsakatika idzi, kwete kungomirira kutaura nevatori venhau.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG