Accessibility links

Breaking News

Hurumende neMasangano Akazvimirira Zvonakurirana Nyoka Mhenyu


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaita musangano neChitatu kuHarvest House nevemasangano akazvimirira oga, vachivasuma nezvenhaurirano.

Ukuwo makurukota ezvekunze munyika dziri muSADC, ari kutarisirwa kusangana kuMozambique neChipiri, kana Chitatu, kuti vaone kuti musangano weSADC Summit wekuzeya nyaya yeZimbabwe ungaitwe riini, uye kupi.


Hurumende yeAmerica yashora zvikuru VaMugabe nekuomesa musoro kwavari kuita panyaya yekuumba hurumende yemubatanidzwa, uye kushandisa mhirizhonga kuvanhu vanenge vachiratidzira kusafara nezviri kuitika munyika.

Nyaya yekudya manonoko pakunyorerana chibvumirano pakati peZanu-PF neMDC, inonzi yave kukonzera matambudziko makukutu kuvanhu avo vari kuziya nenzara.

Gurukota rezvekurima, VaRugare Gumbo, vaudza bepanhau reHerald kuti masangano akazvimirira oga ndiwo ari kukonzera kunyanya kwenzara sezvo asiri kupa vanhu zvekudya zvakazara mumatura avo.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende ndiyo iri kukonzera matambudziko enzara nekuramba kugovana simba zvakafanira neMDC, uye kusataura chokwadi nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu.

Director weChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanotiwoi mashoko ehurumende ekuti ndivo vari kuchengeta chikafu mumatura vanhu vachiyaura, manyepo sezvo hurumende iri iyo iri kuvhiringidza mashandiro emasangano akazvimirira.

National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vaudzawo Studio7 kuti sangano reNCA harina kuenda kumusangano wadaidzirwa neMDC richiti harisi kufara nemarongerwo azvaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG