Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Votarisirwa Kugadzirisa Gakava reHurumende yeMubatanidzwa


Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaThabo Mbeki vange vari kutarisirwa kupinda munyika neMuvhuro kuzoyedza kugadzirisa gakava rekuumba hurumende yemubatanidzwa pakati peMDC neZanu-PF.

VaMbeki ndivo vakadomwa neSADC kuvamutongi gava panyaya iyi. Asi rwendo rwuno VaMbeki vachagona kuomerwa zvikuru nekugadzirisa dambudziko iri.

Kunyangwe hazvo kutaurirana kuri kuenderera mberi VaMugabe neMuvhuro vakanotoresa mhiko vatevedzeri vavo vaviri Amai Joyce Mujuru naVaJoseph Msika. Asi veMDC vainge vari murima panyaya iyi.

Zanu-PF iri kutiwo kwangosara kuti vataure nezvebazi remari chete asi mapato maviri eMDC anoti zvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa.

VaJoram Gumbo chief whip veZanu-PF vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti Zanu-PF inoona zvakakosha kuti itorezve bazi rezvemari nekuti ndiyo ineruzivo rwakapinza.

Asi VaNelson Chamisa mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vaudzawo mutori wenhau Zulu kuti mashoko ekuti vaita vatete panyaya yekubata homwe yemari munguva yakaoma kudai ndeemugotsi matsuro.

VaEdwin Mushoriwa mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara vaudza mutori wenhau Zulu kuti zviri kutaurwa neZanu-PF zvekuti kwasara baazi rezvemari ndezvemugotsi matsuro.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudzawo mutori wenhau Zulu kuti zvekuita fungira mumoyo rwendo rwembwa zvoitwa naVaMugabe zvinogona kukangainisa nhaurirano.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG