Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votsvedza paHurongwa hweKuumba Hurumende


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatadza kuenda kumusangano wehurukuro dzekugovanwa kwemakurukota achange achitungamira mapazi ehurumende itsva, uko vanga vachifanirwa kunosangana nevatungamiri vemapoka eMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambra. VaMugabe vanonzi vatora danho iri sezvo vari kuyedza kudzima moto webopoto ramuka muZanu-PF, zvichitevera chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa neMDC.

NeChipiri VaMugabe vakatadza zvekare kuita musangano uyu nevamwe vavo wekuumba dare remakurukota, sezvo vakapedza muswere wese vari mumusangano wePolitiburo yebato ravo. VaMugabe vatadzazve kuita musangano uyu, sezvo vange vari mumusangano weCentral Committee muswere wese wezuva. Mashoko atiri kutambira anotiwo VaMugabe vachapinda mune mumwe musangano weNational Consultative Assemby yeZanu PF neChina.

Zvinonzi muZanu-PF maita ropa rakaipa nenyaya yechibvumirano ichi, vamwe vachiti VaTsvangirai vakapihwa masimba akawanda. Zvinonziwo mashoko akataurwa naVaTsvangirai ekuti vose vakapara mhosva, kunze kwaVaMugabe, vanofanirwa kurangwa atoita kuti muZanu-PF muite makakatanwa.

Asi veMDC vanoti vane chivimbo chekuti VaMugabe vachadoma dare remakurukota vasati vaenda kumusangano weUnited Nations General Assembly svondo rinouya. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi. Ukuwo mumiriri weAmerica muZiumbabwe, VaJames McGee, vaudzawo Studio 7 kuti hurumende yavo inotambira chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa chakaitwa neMDC neZanu PF. Asi VaMacGee vati vanotenda maruva vadya chakata.

Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naVaCharles Mangongera, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika kuti tinzwe pamire pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG