Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Kutungamirirwa neMakanzura eMDC


Vanozviti vakarwa hondo yerusununguko pamwe nevamwe vatsigiri veZanu PF kuGokwe, kuMidlands, vanonzi vari kuronga kuratidzira vachinyunyuta pamusoro paDistrict Administrator wedunhu iri, uyo vari kupomera mhosva yekushanda pamwe chete nemakanzura eMDC.

Zvinonzi vanhu ava havasi kufadzwa nehurongwa hwekuti makanzura eMDC, ayo akakunda musarudzo, atungamire mukugoverwa kwechikafu kana mamwe mabasa ebudiriro. Zvinonzi makanzura matsva aya ndiwo ava kutungamira hurongwa hwekunyoreswa kwevanhu vanoda chikafu mumatunhu avo, izvo zvinonzi zvava kurwadza veZanu PF.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mumatunhu mazhinji ane makanzuru ave kutungamirirwa neMDC. KuMakoni South kuManicaland, vatsigiri veZanu PF vanonzi vari kurambawo kuremekedza makanzura eMDC, uye vanonzi vakatosarudzawo makanzura avo zvisiri pamutemo, senzira yekuzvidza makanzura eMDC.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF. Asi gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vakaudza makanzura eguta reHarare neMuvhuro, kuti hurumende yakazvipira kushanda pamwe navo kuitira budiriro yeguta iri. Izvi zvinhu zvinotarisirwa kunge zvichiitikawo mumatunhu ose, kuitira budiriro yenyika yose.

VaObert Ncube, avo vanoona nezvesarudzo mudunhu reMidlands muMDC, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko riripo nderekuti kuchine vamwe vatungamiri veZanu PF vari kuramba kutambira shanduko yava mumakanzuru.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG