Accessibility links

Breaking News

VaGono Voshorwa neNyanzvi Munyaya dzeHupfumi


Nyanzvi munyaya dzemafambisirwo emari dzashora mashoko agavhuna webhanga guru, VaGideon Gono, ekuti nyika ine hupfumi, pamwe nekuti nyaya dzezvematongerwio enyika, dzinogadzirika panguva imwe chete nezvehupfumi hwenyika.

Mumashoko avo pa Zimtrade Exporters’ Conference muHarare neChitatu, VaGono vakati zviviri izvi hazvigoni kupatsanurwa, izvo zviri kupa kuti vakurudzire vemapato ezvematongerwo enyika kuti vaone zvavangaite, kuitira kuti munyika muve nehupfumi pamwe nekuti vasimudzire hupfumi hwavari kuti hurimo munyika nechakare.

Doctor Dennis Mandudzo vachangopeta zvidzidzo zvavo zvepamusoro munyaya dzemitemo yemari paStanford University muCalifornia. VaMandudzo vanoti zvido zviri kutungamidzqwa panguva ino ndezveZANU-PF chete.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naDoctor Mandudzo, avo vanoti hapana chiratidzo chekuti ZANU-PF iri kutungamidza zvido zvevanhu. VaMandudzo vanoti VaGono pachavo vari kuratidza kuti vari kukundikana nekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi, apo nyika yakatarisana nedambudziko rekutadza kugadzirisa zvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG