Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inosungwa Iri  Muparamende


Mumiriri we Epworth mudare re House of Assembly, VaElia Jembere, vasungwa nemapurisa neMuvhuro vari muparamende, apo nhengo dzedare iri dzanga dzachipika mhiko dzekushandira nyika.

Hapana ari kuziva kuti VaJembere vaendeswa kupi nemapurisa avatora.

Mapurisa anonzi amboedzawo kuda kutora mumiriri weMutare West, VaShuwa Mudiwa, pamwe nemumiriri weMakoni North, VaElton Mangoma, asi izvi hazvina kubudirira.

Mashoko atiri kutambira anoti nhengo yeparamende inomirira Highfield, Va Pearson Mungova, vanonzi vakavharirwa nemapurisa muparamende kuti vasabude.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC uye vachimirira Kuwadzana.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe zvaitika muparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG