Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa muZvipatara zveHurumende Kopararira


Kuramwa mabasa kwavana chiremba vadiki, navana mukoti vemuzvipatara zvehurumende, kunonzi kwapararira kupfuura zvazvanga zviri pavakatanga kuramwa mabasa nemusi weChipiri.

Vana chiremba ava vanoti havana zvavati vanzawa kubva kuhurumende, maererano nezvichemo zvavo zvakapa kuti vatange kuramwa mabasa.

Studio 7 yakundikana zvakare kutaura negurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, nezvenyaya iyi.

Dr Kudzai Chimedza ndivo mutungamiri weHospital Doctor’s Association.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naDr Chimedza avo vanoti Hhvana matanho avari kutora kuedza kutaura nehurumende sezvo zvisiri pachena kuti ndiani ari kufambisa nyaya dzakadai, maererano nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu muhurumende.


Zvichakadaro, mutungamiri we Progressive Teacher’s Uion of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vaudzawo Studio 7 kuti vadzidzidzisi vesangano ravo vari kurongawo kuramwa mabasa, sezvo vasiri kufara nemari dzemihoro dzavari kuona mumabhanga avo.

VaZhou vati vadzidzisi vapihwa mari dzinoita $1,1 asi ivo vakanga vaendesa chikumbiro chekuti vapihwe $4 trillion pamari yekare, kana kuti $400 pamwedzi, pamari itsva, izvo zvinoenderana nekudhura kwave kuita zvinhu zvizhinji munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG