Accessibility links

Breaking News

Zanu PF  Yoita Hunjire kuBuhera


Bato reMDC kuManicaland riri kupomera vatungamiri veZanu PF mudunhu reBuhera, vachitungamirirwa nevanozviti vakarwa muhondo yerusununguko, avo vanosanganisira VaJoseph Chinotimba, mhosva yekututa chibage kubva kuGMB vachizochinjisa nemombe.

Izvi zvinonzi zvava kusiya vanhu vakawanda vachiziya nenzara, sezvo vasina imwe nzira yekuwana nayo chikafu.

Bepanhau reHerald rinotiwo vagari vekuBuhera vari kukumbira hurumende kuti ivabatsire nechikafu, sezvo mhuri zhinji dzisina chadzakawana kubva muminda yadzo. Hatina kukwanisa kubata VaChinotimba kana vatungamiri veZanu PF kuti tinzwewo divi ravo.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu vashanu vakatofa nenzara kuMakoni South.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG