Accessibility links

Breaking News

Magweta  Anorwira Kodzero dzeVanhu Otaura Zvinofanirwa Kuitwa muNyika


Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti kunyange hazvo hurukuro pakati peZANU-PF neMDC dzichiri kuenderera mberi, kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa zvikuru.

Magweta ane chitsama anonzi akatotizawo munyika, mushure mekutyisidzirwa nevasori, izvo zvakaita kuti vatadze kukwidza kumatare edzimhosva nyaya zhinji dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu uku.

Ukuwo vamwe vanoongorora zviri kuitika munyika, vanoti vanosuwiswa zvikuru kuti vatungamiri venyika dzemuSADC, vari kuedza kumanikidza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti vawirirane naVaMugabe, nyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, dzisina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Va Arnold Tsunga inhengo ye Zimbabwe Lawyers for Human Rights, uye vari Africa Director we International Commission of Jurists.

Va Tsunga vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, kuti magweta anorwira kodzero dzevanhu ari kuona zvakakodzera kuti hurumende yeZANU-PF iendeswe kumatare edzimhoswa, sezvo vazhinji vanonzi vakapara mhosva idzi, vari kungosiiwa vachiita pamadiro, ivo vanhu vari kutadzirwa vasina muripo wavari kuwana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG