Accessibility links

Breaking News

Zambia Inorambidza Masangano Akazvimirira Kupinda Munyika Iyi


Dzimwe nhengo dzemasangano akazvimirira oga dzakarambidzwa kupinda muZambia neChina kuti dziende kumusangano wanga uchifanirwa kupindwa nemasangano akazvimirira emu Africa.

Mutauriri weCrisis In Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, avo vakadzoswawo kuZambia, vanoti vanoona nezve kupinda kwevanhu muZambia, vakavarambidza kupinda munyika iyi sezvo zvaifungidzirwa kuti musangano wavaida kuita, waive nechinangwa chekuvhiringa nhaurirano pakati peMDC neZANU-PF.

VaLewanika vanoti vakaudzwa kuti vakapinda muZambia, vaizosungwa, izvo zvakaita kuti vadzokere panhandare yendege muLusaka. Nepamusana pekurambidzwa kwenhengo idzi, musangano uyu wakabva wakanzurwa.

Vamwe vakadzorwa vanosanganisira sashigaro weCombined Harare Residents Association, VaBarnabas Mangodza, nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, Irene Petras, nedzimwe nhengo dzemasangano akazvimirira oga.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro navaLewanika pamusoro pezvakaitika pavakasvika panhandare yendege muLusaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG