Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira RBZ Kuti Mabhanga Ape Vanhu Z$1,5t paZuva


Sangano reZCTU rakanyorera neChipiri tsamba bhanga guru remunyika richikumbira kuti vashandi vabvumidzwe kutora mumabhanga mari inosvika madhora 1,5 trillion dollars pazuva, kuitira kuti vawane mari inovakwanira.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vanoti mari idzi dzinofanirwa kuongororwa pamazuva matatu ega ega, sezvo mari yemunyika iri kugara yakapera simba nguva dzose.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaProsper Chitambara, nyanzvi munyaya dzehupfumi, avo vari kuita zvidzidzo paUniversity of Birmingham kuBritain, kuti tinzwe mafungiro avo pachikumbiro cheZCTU.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG