Accessibility links

Breaking News

Nhanga Nhaurirano Pakati peMDC neZanu-PF Dzinombosendekwa Parutivi


Hurukuro pakati peMDC neZanu-PF dzambomira pakamirirwa kuti paitwe musangano neChishanu kuPretoria pakati pemutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki naVaJean Ping sachigaro weAfrican Union Commission.VaMbeki ndivo vakasarudzwa kuvamutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe.

Asi MDC inotungamirwa naVaTsvangirai inoti irikuda kuti AU itumire imwe nhumwa kuti ibatsirane naVaMbeki.

Chikumbiro ichi chiri kuzozeyiwawo neChishanu pakati paVaPing naVaMbeki. MDC iri kutiwo mhirizhonga iri kuitika munyika inofanira kumira.

Vane ruzivo nezviri kuitika munhaurirano idzi varikutiwo handi chokwadi kuti MDC yaVaArthur Mutambara neZanu-PF vakanyorerana chibvumirano.

Vari munhanga nhaurirano iyi vanoti vatungamiri vose vanofanira kunyorerana chibvumirano ichi pamwe chete.

Muzvare Gladys Hlatshwayo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari Advocacy Officer weCrisis In Zimbabwe Coalition vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMbeki vari kuremerwa nemutoro weZimbabwe.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG