Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Zanu PF Iri Kuwedzera Mhirizhonga


Sangano reHuman Sciences Research Council rayambira kuti muZimbabwe matove nezviratidzo zvekuti nyaya yezhowe-zhowe ikaramba yakaita sezvairi iye zvino, kungangotanga hondo chero nguva. Mashoko aya aturwa mugwaro rabuditswa nesangano iri muSouth Africa. Mutori wedu wenhau Benedict Nhlapho atipa nyaya iyi.

Zvichakadaro, bato reMDC rinoti rine humbowo hwekuti hurumende yeZanu PF iri kuwedzera mhirizhonga nechinangwa chekuda kuri manikidza kutambira zvisungo zveZanu PF pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa. MDC inoti Zanu PF iri kuita izvi kuburikidza nekuwedzera makamba ekushungurudzira vanhu uye kuumbwa kwezvikwata zvinofanirwa kupfuudza hutungamiri hwebato iri.

Bepanhau reLos Angeles Times rati vamwe vakuru vakuru muZanu PF vakabvuma kuti hurumende yavo ine hurongwa hwekushandisa mhirizhonga mukumanikidza MDC kuti itambire kuti VaMugabe vatungamire hurumende yemubatanidzwa. Ukuwo bepanhau reHerald rati sachigaro wevechidiki muZanu PF kuMashonaland Central, VaDixon Mafios vari kukurudzira vechidiki vebato ravo kuti vagare vakangwarira hurumende dzekunze idzo dziri kuda kutonga Zimbabwe.

Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwenyika muMDC uye vakasarudzwa kumirira Dangamvura-Chikanga muparamende, VaGiles Mutsekwa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu veZimbabwe vave kuziva kuti Zanu PF haina zvitsva zvaichavabatsira nazvo.

Zvichakadaro, mashoko atatambira kubva kuMashonaland anoti mhirizhonga iri kuendera mberi mumatunhu eShamva South neShamva North. Zvinonziwo mudzimai akakandwa muchoto nevechidiki veZanu PF masvondo mana apfuura kuBindura akashaya nezuro kuburikidza nemaronda aakawana paakapiswa.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG