Accessibility links

Breaking News

Mapepanhau Anodhindwa Kunze Onyunyuta Nemari Yemutero Unodiwa Nehurumende yeZANU-PF


Rimwe remapepanhau anodhindwa kunze kwenyika, reThe Zimbabwean, rinoti, rasvika pakuderedza huwandu hwemapepnhau anoenda kuZimbabwe, zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mutero wekuti mapepa aya apinde munyika.

Kunyange hazvo mwedzi wapera, hurumende yakati irikukwidza mutero unobhandharwa nevanoda kuunza mapepanhau kusvika pazvikamu makumi mana, vemapepanhau aya vanoti mari iyi yakakwidzwa nezvikamu makumi manomwe kubva muzana.

Masangano eThe World Association of Newspapers, neWorld Editors Forum, arikukurudzira VaMugabe nehurumende yavo kuti vabvise mitero iyi, asi bepanhau re Zimonline, rinoti mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vati hurumende haiudzwi zvekuita nevamwe vanhu.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nemupepeti webepanhau reThe Zimbabwean, VaWilfred Mbanga kuti tinzwe zvizere.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG