Munyori mukuru weMDC, Va Tendai Biti, vasungwa nemapurisa pavasvika panhandare yendege muHarare. VaBiti vanga vava nemwedzi miviri vari kunze kwenyika, vachiedza kutaura nedzimwe nyika pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe.
Mapurisa anoti VaBiti vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura nyika. Hazvisati zvazivikanwa kuti VaBiti vakachengeterwa kupi.
Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, mhosva iri kupomerwa VaBiti ine chekuita nekuburitsa kwavanonzi vakaita zvakabuda musarudzo sangano reZimbabwe Electoral Commission risati raburitsa zvakabuda musarudzo zviri pamutemo.