Accessibility links

Breaking News

MDC Yokurudzira Kuputswa kweMakamba eVatsigiri veZanu PF


MDC inoti yakazvipira kuumba komiti ichashanda neZanu PF pamwe nemapurisa mukumisa mhirizhonga, ndokunge chete Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yagadzirisa zvinetswa zviri kuita kuti sarudzo yeRunOff isafambiswe negwara kwaro.

Bato iri rinoti ranyorera ZEC gwaro rine zvinyunyuto zvishanu, izvo zvinosanganisira zvekuti kutange kwaputswa makamba ari kushungurudzirwa vanhu, ayo akaumbwa neZanu PF munyika yose. MDC yatiwo masoja haafanirwe kubatsira VaMugabe mukuvatsvagira rutsigiro.

MDC inotiwo nhepfenyuro yeZBC inofanirwawo kumira kushambadza mashoko anokurudzira mhirizhonga, sezvairi kuita. Mhirizhonga iri kuenderera mberi munyika, kunyange hazvo mapato maviri aya ari kukurudzira vatsigiri vavo kuti vasiyane netsika iyi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri kuti kana izvi zvisina kugadziriswa zvichareva kuti komiti iyi inenge isina basa raichaita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG