Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yopinda muHarare


Mhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi uye yava kuitikawo mudzimwe nzvimbo dzakapoteredza guta reHarare, chinove chiratidzo chekuti vanochengetedza runyararo munyika, vari kukundikana mukuita basa iri.

Vanga vachizviti mauto vanonzi vaunganidza vanhu paDema Business Centre kwaSeke, apo vanonzi vaudza vanhu ava kuti vanofanirwa kunyora nhamba dzegwaro rekuvhotesa kuitira kuti vagozoona kuti vavhotera ani.

Zvinonziwo vanhu vakawanda vakarohwa zvakaipisisa nemusi weSvondo kuEpworth, vachipomerwa mhosva yekutsigira MDC. Pavanhu vakarohwa ava, zvinonzi gumi nevaviri vavo vari kuchipatara cheAvenues Clinic, uko vari kurapwa. Vanozviti vakarwa hondo yerusununguko ava vanonzi vakarovawo vanhu paLewisam Shopping Centre, muChisipite, Harare East, vachivapomera mhosva yekutsigira MDC.

Ukuwo vanhu vari kutiza mhirizhonga kumaruwa vanonzi vari kuramba vachiungana pamuzinda weMDC kuHarare, apo panonzi pava nevanhu vanodarika mazana matanhatu, kusanganisirawo vana vadiki. Vamwe vari kutizawo mhirizhonga iyi vari kuenda kumahofisi ebato iri ari mumatunhu avo.

Mumwe wevari kumahofisi ebato iri kwaMutare, VaMoses Chirau, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vakarohwa zvakaipisisa svondo rapera kuBuhera South nechikwata chevakarwa hondo vaitungamirwa naVaJoseph Chinotimba.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG