Accessibility links

Breaking News

Vasori Vanopisa Mapepanhau eThe Zimbabwean on Sunday, Apo Mhirizhonga Inoenderera Munyika


Vano fungidzirwa kuti vasori vanonzi vakapisa motokari pamwe nemapepanhau eThe Zimbabwean on Sunday anosvika makumi matanhatu ezviuru, (60 000) kuMasvingo usiku hweMugovera.

Vashandi vaviri vekambani inodhinda bepanhau iri vanonzi vakarohwawo zvakaipisisa mushure mekunge vamanikidzwa kudira peturu pamapepanhau aya pamwe nemotokari zvisati zvapiswa.

Bepanhau reThe Zimbabwean on Sunday rakaparurwa munaKukadzi wegore rino nekambani inodhinda The Zimbabwean.

Vachitaura vari parunhare vari muSouthampton, kuBritain, mupepeti webepanhau iri VaWilf Mbanga vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vacharamba vachitsvaga nzira dzekuti mapepanhau avo akwanise kupinda munyika.

Zvichakadaro, mhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi kuMuzvezve, kuMashonaland West kuKadoma, uko kunonzi mapurisa ari kutya kuparadza mabhesi eDonain neCuba, ayo ari kushungurudzirwa vanhu nevatsigiri veZanu PF.

KuMashonaland East kunonzi vanozviti vakarwa hondo yerusununguko vari kushungurudza vashandi vepachikoro nechipatara cheMakumbe, kuGoromonzi. Zvinonzi vanhu ava vakavimbisa kuti neChipiri vachanorova varairidzi pamwe nevashandi vepachipatara ichi sezvo vari kuvati vatsigiri veMDC, izvo zvapa kuti vamwe vashandi vepamission iyi vatize mabasa.

KuMarondera, vasori vanonzi vakapamba vatsigiri veMDC vaviri nemusi weChishanu uye hazvisi kuzivikanwa kuti varipi pari nhasi.

Ukuwo, vakanga vakamirira MDC musarudzo dzekutsvaga mumiriri weShamva North muparamende, VaGodfrey Chimombe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kuda kupondwa nevavano fungidzira kuti vasori, avo vavanoti vari kuvatsvaga nemaziso matsvuku.

Zvichakadaro, kushaya kwekugara kwezviuru nezviuru zvevanhu vekumaruva varikutiza mhirizhonga kwakonzera kutambudzika kwakafanana nezvakamboitika panguva yeOperation Murambatsvina.

Mutauriri weNational Association of Non-governmental Organisations kana kuti, NANGO, VaFambai Ngirande vaudza Patience Rusere weStudio 7 kuti huwandu wevanhu vari kutiza misha yavo hwakwira.

Dzimwe nhau kubva kuStudio ...

XS
SM
MD
LG