Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yopararira muSouth Africa


Mhirizhonga iri kuitika mu South Africa, yava kupindawo munzvimbo dzakaita seCape Town, nekuLimpopo North province nedzimwe nzvimbo.

Zvinonziwo muCape Town, mhirizhonga iyi iri kuvhiringa zvikuru zvizvarwa zvekuZimbabwe nezve kuSomalia. Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 kuti hurumende yava nemazita ezvizvarwa zvekuZimbabwe zvinopfuura mazana manomwe, avo vachabatsirwa nemabhazi ekuti vadzokere kumusha.

NeChishanu, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaudza vanhu vainge vari muhupoteri pakamba yemapurisa muAlexandria, kuti vanofanirwa kudzokera kumusha vonovhota musarudzo ye run off, kuitira kuti vabvise VaMugabe pachigaro. VaTsvangirai vakatiwo bato ravo richabatsira vanhu vari kuda kudzokera kumusha.

VaGabriel Shumba ndivo mutungamiri weZimbabwe Exiles Forum.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaShumba kuti tinzwe zviri kuitika mu South Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG