Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yokanganisa Magariro eVanhu Munyika


Sezvo mhirizhonga iri kuitika munyika isiri kuratidza kuti ingangopera, pava nekutyirwa kuti sarudzo ye run-off ichatadza kufamba zvakanaka sezvo vanhu vakawanda vatiza misha yavo. Vatsigiri veMDC vazhinji vari kutiza misha yavo, vamwe vachinopotera munyika dzakapoteredza, dzakaita seSouth Africa, uko kwava kuitikawo mhirizhonga yaurayisa vanhu vanodarika makumi mana.

Vamwewo vatsigiri vebato iri vari kuurayiwa mumhirizhonga iyi, vamwewo vachipambwa vozowanikwa vakapondwa. Zvose izvi zvava kupa kuti vamwe vafunge kuti sarudzo ichaitwa musi wa27 Chikumi inenge isina kuchena.

VaFarai Maguwu vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Research and Development. Ukuwo VaPedzisayi Ruhanya, vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition.

Mutori wenhau dzeStudio7, Jonga Kandemiiri, aita hurukuro naVaMaguwu pamwe naVaRuhanya kuti tinzwe pfungwa dzavo pamhirizhonga iri kuitika munyika pamwe nemuSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG