Accessibility links

Breaking News

South Africa Yaberekera Ingwe


KuSouth Africa hakuchatsikiki zvichitevera mhirizhonga yekurohwa kwevanhu vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi. Kunyange hazvo mapurisa ari kuedza kusunga vanhu vari kukonzera mhirizhonga, zvinhu zviri kuramba zvichishata munyika iyi zuva nezuva.

Mapurisa emuSouth Africa anoti vanhu vanodarika mazana maviri, vasungirwa nyaya yemhirizhonga, uye vanhu vanodarika makumi maviri vafa mumhirizhonga iyi. Nepamusana pemhirizhonga iyi, zvimwe zvizvarwa zvekuZimbabwe zvinonzi zvava kudzokera kumusha, zvichityira hupenyu hwazvo.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Stella Mkilwane, Operations maneja we Refugee Ministries Centre, kuti zvinhu tinzwe mamiriro akaita zvinhu muJohannesburg.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG