Accessibility links

Breaking News

Magweta Okurudzira Kutumirwa kweVaongorori veSarudzo


Mutevedzeri wegurukota rezvekunze muSouth Africa, VaAziz Pahad, vakaudza vatori venhau muPretoria neChipiri kuti SADC iri kuyedza kupedza mhirizhonga iyi, uye vati zvakakosha kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vadzokere kumusha.

Asi America inotiwo VaTsvangirai vanofanira kuchengetedzwa, sezvo vasisiri munhuwo zvake.

South Africa inotiwo vaimbova vakuru vakuru vechiuto vemu South Africa vatanhatu, avo vakatumwa kunoongorora nyaya yemhirizhonga muZimbabwe, vari kutarisirwawo kupedza ongororo yavo neChipiri

Ukuwo sangano reHuman Rights Watch rakurudzira African Union kuti itumire vaongorori vesarudzo, uye vanoona nezve kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu nechimbichimbi kuZimbabwe, kuitira kuti vanhu vemuZimbabwe vasarambe vachirasikirwa nehupenyu. Gweta rinoshanda nesangano iri, Muzvare Tiseke Kasambala, vanoti izvi zvinofanirwa kuitwa nechimbi chimbi.

Sangano iri rinoti ongororo yaro inoratidza kuti mapurisa, mauto, vechidiki veZanu-PF, pamwe nevaimbova varwiri verusununguko, ndivo vari kuponda vatsigiri veMDC.

VaOtto Saki gweta rinochengetedza kodzero dzevanhu, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti vanotenderana nepfungwa yekuti vaongorori vapinde munyika nechimbichimbi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG